1 John 2

Kristu Jesu Murevereri

1Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama; 2uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yese. 3Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake. 4Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo; 5asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari. 6Uyo anoti anogara maari iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo.

Murairo werudo

7Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamakange munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga. 8Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera. 9Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvikira zvino. 10Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari. 11Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.

Musada nyika

12Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake. 13Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba. 14Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa. 15Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari. 16Nokuti zvese zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika. 17Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi.

Mupikisi waKristu nekuuya kwaIshe

18Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira. 19Vakabuda kwatiri, asi vakange vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vese vanobva kwedu. 20Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvese. 21Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi. 22Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana. 23Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo. 24Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba. 25Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi. 26Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai. 27Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvese, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari. 28Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake. 29Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye.

Copyright information for Shona